Leviticus 19:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana muciȿika munyika, mukasima miti yamarudzi ose anodyiwa, munofanira kuti micero yayo yakaita seisina‐kudziŋgiswa; makore matatu icaʋa kwamuri seisina‐kudziŋgiswa; haifaniri kudyiwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Kana mapinda munyika iyo mukadyara muchero upi noupi, torai michero yacho seisingabvumirwi. Kwamakore matatu munofanira kuitora seisingabvumirwi. Haifaniri kudyiwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kana mazosvika kunyika iyoyo mukasima miti yemichero inodyiwa michero iyoyo ichava inorambidzwa kwamuri, hamubvumirwe kuidya kwemakore matatu, ngairege kudyiwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kana muchisvika munyika, mukasima miti yamarudzi ose anodyiwa, munofanira kuti michero yayo yakaita seisina kudzingiswa; makore matatu ichava kwamuri seisina kudzingiswa; haifaniri kudyiwa.
Shona 2009?
"Kana muchisvika munyika, mukasima miti yamarudzi ose anodyiwa, munofanira kutora michero yayo sechinhu chisina kudzingiswa; makore matatu ichava kwamuri seisina kudzingiswa; haifaniri kudyiwa.
Shona SUB 2002 Bible
“Kana muchisvika munyika, mukasima miti yamarudzi ose anodyiwa, munofanira kuti michero yayo yakaita seisina kudzingiswa; makore matatu ichava kwamuri seisina kudzingiswa; haifaniri kudyiwa.