Leviticus 2:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Muŋgaɀiʋigira Jehova ɀiri ɀipiriso ɀeɀitȿa ɀenyu, asi ŋgaɀirege kuiswa paartari kuti ɀiʋe ɀinonhuwira ɀakanaka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Munokwanisa kuzviuyisa kuna Jehovha sechipiriso chezvirimwa zvamunotanga kukohwa asi hazvifaniri kuuyiswa paaritari somunhuwi unonhuwira zvinofadza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mupiro wezvinotanga kukohwewa ngauunzwe zvawo kuna Tenzi, asi ngaurege kupirwa kuna Tenzi paatari somupiro uya unonhuhwirira zvinofadza Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mungazvivigira Jehovha zviri zvipiriso zvezvitsva zvenyu, asi ngazvirege kuiswa paatari kuti zvive zvinonhuwira zvakanaka.
Shona 2009?
Mungazvivigira Jehovha zviri zvipiriso zvezvitsva zvenyu, asi ngazvirege kuiswa paaritari kuti zvive zvinonhuhwira zvakanaka.
Shona SUB 2002 Bible
Mungazvivigira Jehovha zviri zvipiriso zvezvitsva zvenyu, asi ngazvirege kuiswa paatari kuti zvive zvinonhuwira zvakanaka.