Leviticus 2:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino muprista ŋgaapise cokuraŋgaridza caco, ɀimŋe ɀeɀiyo ɀaco ɀakaswiwa, neɀimŋe ɀamafuta aco, pamŋe cete neɀinonhuwira ɀaco; cipiriso cinoitirwa Jehova nomŋoto.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muprista achapisa chikamu chechirangaridzo chezviyo zvakakuyiwa, namafuta, pamwe chete nezvose zvinonhuwira, sechipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mupristi ngaapise katsama kechirango kembesanwa dzakadzvurwa dzina mafuta, ngaadzipise pamwechete norusenzi rwose, somupiro unoitwa zvokupisirwa Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mupristi ngaapise chokurangaridza chacho, zvimwe zvezviyo zvacho zvakatswiwa, nezvimwe zvamafuta acho, pamwechete nezvinonhuwira zvacho; chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.
Shona 2009?
Zvino muprista ngaapise chokurangaridza chacho, zvimwe zvezviyo zvacho zvakatswiwa, nezvimwe zvamafuta acho, pamwechete nezvinonhuhwira zvacho; chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mupristi ngaapise chokurangaridza chacho, zvimwe zvezviyo zvacho zvakatswiwa, nezvimwe zvamafuta acho, pamwechete nezvinonhuwira zvacho; chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.