Leviticus 2:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana uciʋuya necipo coʋupfu cakaɓikwa mucoto, ŋgaciʋe ceɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa ɀoʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta, neɀiŋgwa ɀitete ɀisina‐kuʋiriswa ɀakazodzwa mafuta.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Kana ukauya nechipiriso chezviyo zvakabikwa muchitofu chinofanira kuva choupfu hwakatsetseka: makeke anenge aitwa asina mbiriso uye akasanganiswa namafuta kana kuti makeke matete asina mbiriso akazorwa mafuta.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana uchinge uchiunza mupiro wembesanwa wechingwa chakabikwa muovhoni, ngachive chisina mbiriso, chakabikwa noupfu hwakanyatsokuyiwa, chakakanyiwa namafuta kana kuti chingwa chakati fatata chisinawo mbiriso chakazorwa mafuta.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kana achiuya nechipo choupfu chakabikwa muchoto, ngachive chezvingwa zvisina kuviriswa zvoupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, nezvingwa zvitete zvisina kuviriswa zvakazodzwa mafuta.
Shona 2009?
"Kana achiuya nechipo choupfu chakabikwa muchoto, ngachive chezvingwa zvisina kuviriswa zvoupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, nezvingwa zvitete zvisina kuviriswa zvakazodzwa mafuta.
Shona SUB 2002 Bible
“Kana achiuya nechipo choupfu chakabikwa muchoto, ngachive chezvingwa zvisina kuviriswa zvoupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, nezvingwa zvitete zvisina kuviriswa zvakazodzwa mafuta.