Leviticus 20:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana munhu akaʋata nomukadzi womŋanakomana wake, ɀirokwaɀo ʋose ʋari ʋaʋiri ʋanofanira kuʋurawa; ʋakaita ɀinoyaŋgadza kwaɀo; mhoȿa yeropa raʋo icaʋa pamsoro paʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Kana mumwe akavata nomuroora wake, vose vari vaviri vanofanira kuurayiwa, zvavaita kunyangadza kukuru; ropa ravo richava pamusoro pavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Murume anotorana nomuroora wake, vose zvavo vari vaviri, vanofanira kuti vatouraiwa nokuti vaita makunakuna. Rufu rwavo nderwekuzviparira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana munhu akavata nomukadzi womwanakomana wake, zvirokwazvo vose vari vaviri vanofanira kuurawa; vakaita zvinonyangadza kwazvo; mhosva yeropa ravo ichava pamusoro pavo.
Shona 2009?
Kana munhu akavata nomukadzi womwanakomana wake, zvirokwazvo vose vari vaviri vanofanira kuurawa; vakaita zvinonyangadza kwazvo; mhosva yeropa ravo ichava pamusoro pavo.
Shona SUB 2002 Bible
Kana munhu akavata nomukadzi womwanakomana wake, zvirokwazvo vose vari vaviri vanofanira kuurayiwa; vakaita zvinonyangadza kwazvo; mhosva yeropa ravo ichava pamusoro pavo.