Leviticus 20:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana munhu akatora hanɀadzi yake, mŋanasikana waɓaɓa ʋake, kana mŋanasikana wamai ʋake, akamufukura, naiye ʋo akamufukura, cinhu cinonyadza; ʋacabviswa pamberi paʋana ʋorudzi rwaʋo; wafukura hanɀadzi yake, iye ucaʋa nemhoȿa yake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Kana murume akawana hanzvadzi yake mwanasikana wababa vake, kana kuti wamai vake, uye vakavata vose, ichi chinyadziso. Vanofanira kubviswa pamberi pameso avanhu vokwavo. Azvidza hanzvadzi yake uye achava nemhosva.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kana murume akatorana nehanzvadzi yake, angave mwanasikana wababa wake nomumwe mukadzi kana kuti wamai vake nomumwe murume vakaonererana, chinhu chinonyadzisa, ngavachekwe ukama novokwavo nokuti akatorana nehanzvadzi yake, ndiye atozviparira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana munhu akatora hanzvadzi yake, mwanasikana wababa vake, kana mwanasikana wamai vake, akamufukura, naiyewo akamufukura, chinhu chinyonyadza; vachabviswa pamberi pavana vorudzi rwavo; wafukura hanzvadzi yake, iye uchava nemhosva yake.
Shona 2009?
Kana munhu akatora hanzvadzi yake, mwanasikana wababa vake, kana mwanasikana wamai vake, akamufukura, naiyewo akamufukura, chinhu chinyonyadza; vachabviswa pamberi pavana vorudzi rwavo; wafukura hanzvadzi yake, iye uchava nemhosva yake.
Shona SUB 2002 Bible
Kana munhu akatora hanzvadzi yake, mwanasikana wababa vake, kana mwanasikana wamai vake, akamufukura, naiyewo akamufukura, chinhu chinonyadza; vachabviswa pamberi pavana vorudzi rwavo; wafukura hanzvadzi yake, iye uchava nemhosva yake.