Leviticus 20:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋuye ɀe, uti kuʋana ʋaIsraeri: Aninani pakati paʋana ʋaIsraeri, kana paʋatorwa ʋagere pakati paʋaIsraeri, unopa Moreki ʋana ʋake, ɀirokwaɀo unofanira kuʋurawa; ʋanhu ʋenyika ʋanofanira kumutaka namabge.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Uti kuvaIsraeri, ‘MuIsraeri upi noupi kana mutorwa upi noupi agere muIsraeri achapa vana vake kuna Moreki anofanira kuurayiwa. Vanhu vomunyika yake vanofanira kumutaka namabwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Taurira vaIsiraeri kuti, ‘Ani naani wenyu muIsiraeri kana mutorwa agere nemi muIsiraeri anenge apira mwana wake kuna Moreki, ngaaurayiwe. Vanhu venyika iyoyo ngavamuteme namabwe afe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Uyezve, uti kuvana vaIsiraeri, ‘Ani naani pakati pavanava vaIsiraeri, kana pavatorwa vagere pakati pavaIsiraeri, unopa Moreki vana vake, zvirokwazvo anofanira kuurawa; vanhu venyika vanofanira kumutaka namabwe.
Shona 2009?
"Uyezve, uti kuvana vaIsiraeri, `Ani naani pakati pavana vaIsiraeri, kana pavatorwa vagere pakati pavaIsiraeri, unopa Moreki vana vake, zvirokwazvo anofanira kuurawa; vanhu venyika vanofanira kumutaka namabwe.
Shona SUB 2002 Bible
“Uyezve, uti kuvana VaIsiraeri, ‘Ani naani pakati pavana VaIsiraeri, kana pavatorwa vagere pakati paVaIsiraeri, unopa Moreki vana vake, zvirokwazvo anofanira kuurayiwa; vanhu venyika vanofanira kumutaka namabwe.