Leviticus 20:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Neni ʋo ndicanaŋanidza munhu uyo, ndicamubvisa pakati porudzi rwake; nokuti wakapa Moreki ʋamŋe pakati paʋana ʋake, kuti aȿiɓise imba yaŋgu tȿene, nokumhura zita raŋgu dɀene.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichanangana nomunhu iyeye uye ndichamubvisa pakati pavanhu vokwake, nokuti, nokuda kwokupa vana vake kuna Moreki, asvibisa nzvimbo yangu tsvene uye amhura zita rangu dzvene.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ini pachangu ndichaonana nomunhu iyeyo, ndichamucheka ukama nevokwake nokuti akapira mwana wake kuna Moreki akan'oresa nzvimbo yangu inoera, akashonhawo zita rangu rinoera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Neniwo ndichananaidza munhu uyo, ndichamubvisa pakati porudzi rwake; nokuti wakapa Moreki vamwe pakati pavana vake, kuti asvibise imba yangu tsvene, nokumhura zita rangu dzvene.’
Shona 2009?
Neniwo ndichananaidza munhu uyo, ndichamubvisa pakati porudzi rwake; nokuti wakapa Moreki vamwe pakati pavana vake, kuti asvibise imba yangu tsvene, nokumhura zita rangu dzvene.
Shona SUB 2002 Bible
Neniwo ndichafuratidza chiso changu kumunhu uyo, ndichamubvisa pakati porudzi rwake; nokuti wakapa Moreki vamwe pakati pavana vake, kuti asvibise imba yangu tsvene, nokumhura zita rangu dzvene.’