Leviticus 20:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Munhu unotsaukira kumaȿikiro naʋaʋuki kuʋateʋera pakupata, ndicanaŋanidza munhu uyo, ndimubvise pakati porudzi rwake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Ndichanangana nomunhu uyo achaenda kumasvikiro, nokuvadzimu achiita ufeve nokuvatevera uye ndichamubvisa pakati pavanhu vokwake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kana munhu akaenda kundobvunza vanosvikirwa kana vanoshopera achiita senzenza kuvateveredza, ini pachangu ndichaonana nomunhu iyeyo, ndichamucheka ukama nevokwake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Munhu unotsaukira kumasvikiro navavuki kuvatevera pakupata, ndichananaidza munhu uyo, ndimubvise pakati porudzi rwake.
Shona 2009?
"Munhu unotsaukira kumasvikiro navavuki kuvatevera pakupata, ndichananaidza munhu uyo, ndimubvise pakati porudzi rwake.
Shona SUB 2002 Bible
“Kana munhu achienda kumasvikiro navauki achifambidzana navo, ndichafuratidza chiso changu kubva kwaari, ndimubvise pakati porudzi rwake.