Leviticus 21:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Munhu, uri muprista mukuru pakati pehama dzake, wakaɗirwa mafuta ecizoro pamusoro wake, wakatsaurwa kuti afuke ŋguʋo dzomuprista mukuru, ŋgaarege kusunuŋgura vudzi romusoro wake, kana kubvarura ŋguʋo dzake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Muprista mukuru, uyo ari pakati pavakoma navanun'una vake, akadirwa mafuta okuzodzwa pamusoro pake uye akagadzwa kuti apfeke nguo dzouprista, haafaniri kurega bvudzi rake risina kukamiwa, kana kubvarura nguo dzake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Mupristi anenge akazodzwa musoro namafuta kuva mupristi mukuru pakati pevokwake, iye akagadzwa kuti apfeke hanzu dzoupristi, haafaniri kurega vhudzi rake rakaiita jakuchichi kana kubvarura hanzu dzake
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Munhu, ari mupristi mukuru pakati pehama dzake, wakadirwa mafuta echizoro pamusoro wake, wakatsaurwa kuti afuke nguo dzomupristi mukuru, ngaarege kusunungura vhudzi romusoro wake, kana kubvarura nguo dzake.
Shona 2009?
"Munhu, ari muprista mukuru pakati pehama dzake, wakadirwa mafuta echizoro pamusoro wake, wakatsaurwa kuti afuke nguvo dzomuprista mukuru, ngaarege kusunungura vhudzi romusoro wake, kana kubvarura nguvo dzake.
Shona SUB 2002 Bible
“Munhu, ari Mupristi Mukuru pakati pehama dzake, wakadirwa mafuta echizoro pamusoro pake, wakatsaurwa kuti afuke nguo dzoMupristi Mukuru, ngaarege kusunungura vhudzi romusoro wake, kana kubvarura nguo dzake.