Leviticus 21:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi haafaniri kupinda mukati mecidzitiro, kana kusweɗera kuartari nokuti wakaremara; kuti arege kushatsa nɀimbo dzaŋgu tȿene; nokuti ndini Jehova ndinoʋatsaura.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
asi nokuda kwourema hwake, haafaniri kusvika pedyo nechidzitiro kana kusvika paaritari, agosvibisa nzvimbo yangu tsvene. Ndini Jehovha ndinovaita vatsvene.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi haabvumidzwe kuenda seri kwejira rokudzikatirisa kana kusvika pedyo neatari nokuti ane pakaremara angan'orese nzvimbo dzangu dzinoera. Ini Tenzi ndini ndinovaita kuti vave vanhu vatsvene.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi haafaniri kupinda mukati mechidzitiro, kana kuswedera kuatari nokuti wakaremara; kuti arege kushatsa nzvimbo dzangu tsvene; nokuti ndini Jehovha ndinovatsaura.”
Shona 2009?
Asi haafaniri kupinda mukati mechidzitiro, kana kuswedera kuaritari nokuti wakaremara; kuti arege kushatisa nzvimbo dzangu tsvene; nokuti ndini Jehovha ndinovatsaura."
Shona SUB 2002 Bible
Asi haafaniri kupinda mukati meketeni, kana kuswedera kuatari nokuti wakaremara; kuti arege kusvibisa nzvimbo dzangu tsvene; nokuti ndini Jehovha ndinovatsaura.”