Leviticus 21:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Haʋafaniri kuʋeʋura misoro yaʋo, ʋaciita mhazha, kana kuʋeʋura rutiʋi rumŋe rwendebvu dzaʋo, kana kutema nyora pamiʋiri yaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Vaprista havafaniri kuveurwa misoro kana kudimburira ndebvu dzavo kana kutema miviri yavo nyora.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Havafanire kuveura musoro yavo vachizviita mhanza kana kugera ndebvu dzaparushaya, kana kuzvicheka muviri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Havafaniri kuveura misoro yavo, vachiita mhazha, kana kuveura rutivi rumwe rwendebvu dzavo, kana kutema nyora pamiviri yavo.
Shona 2009?
"Havafaniri kuveura misoro yavo, vachiita mhazha, kana kuveura rutivi rumwe rwendebvu dzavo, kana kutema nyora pamiviri yavo.
Shona SUB 2002 Bible
“Havafaniri kuveura misoro yavo, vachiita mhanza, kana kuveura rutivi rumwe rwendebvu dzavo, kana kutema nyora pamiviri yavo.