Leviticus 21:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana mŋanasikana womuprista upi noupi aciɀishatsa nokupata, unoshatsa ɓaɓa ʋake; unofanira kupiswa nomŋoto.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Kana mwanasikana womuprista akazvisvibiswa nokuva chifeve, anonyadzisa baba vake; anofanira kupiswa mumoto.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana mwanasikana womupristi upi noupi zvake akazviipisa achiita upfambi, atofumura baba vake ngaapiswe nomoto.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana mwanasikana womupristi upi noupi achizvishatsa nokupata, unoshatsa baba vake; anofanira kupiswa nomoto.
Shona 2009?
Kana mwanasikana womuprista upi noupi achizvishatisa nokupata, unoshatisa baba vake; anofanira kupiswa nomoto.
Shona SUB 2002 Bible
Kana mwanasikana womupristi upi noupi achizvisvibisa nokuita chipfambi, anosvibisa baba vake; anofanira kupiswa nomoto.