Leviticus 22:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi kana mŋanasikana womuprista iri cirikadzi, kana warambga nomurume, asinaʋana, akadzokera kumba kwaɓaɓa ʋake, sapaʋusikana bgake, iye uŋgadya ɀokudya ɀaɓaɓa ʋake; asi mŋeni ŋgaarege kuɀidya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi kana mwanasikana womuprista akava chirikadzi kana kuti akarambwa, iye asina vana, akadzoka kuzogara mumba mababa vake sapaudiki hwake, anogona kudya chokudya chababa vake. Asi munhu asina kukodzera haangadyi kudya uku.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi kana mwanasikana womupristi asina vana ari chirikadzi kana kuti akarambwa nomurume akadzokera kundogara kumusha kwake kuna baba wake, sapausikana hwake angadye zvake chokudya chinodyiwa nababa wake. Asi hakuna munhu, wokunze anobvumirwa kudya izvozvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi kana mwanasikana womupristi iri chirikadzi, kana warambwa nomurume, asina vana, akadzokera kumba kwababa vake, sapausikana hwake, iye ungadya zvokudya zvababa vake; asi mweni ngaarege kuzvidya.
Shona 2009?
Asi kana mwanasikana womuprista iri chirikadzi, kana warambwa nomurume, asina vana, akadzokera kumba kwababa vake, sapausikana hwake, iye ungadya zvokudya zvababa vake; asi mweni ngaarege kuzvidya.
Shona SUB 2002 Bible
Asi kana mwanasikana womupristi iri chirikadzi, kana warambwa nomurume, asina vana, akadzokera kumba kwababa vake, sapausikana hwake, iye ungadya zvokudya zvababa vake; asi mweni ngaarege kuzvidya.