Leviticus 22:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Taura naAroni, naʋanakomana ʋake, naʋana ʋaIsraeri ʋose, uti kwaʋari: Aninani weimba yaIsraeri, kana waʋatorwa pakati paʋaIsraeri, unoʋuya necipo cake, kana ciri cemhiko, kana iri nhendo ipi neipi yokuɗa kwaʋo, caʋanoʋuya naco kunaJehova, kuti cipiswe;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Taura kuna Aroni navanakomana vake nokuvaIsraeri vose uti kwavari, ‘Kana mumwe wenyu, angava muIsraeri kana mutorwa, anogara muIsraeri, akapa chipo kuti chive chipiriso chinopiswa kuna Jehovha, kungava kuzadzisa mhiko kana kungopawo chipo,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Taurira Aroni navanakomana vake navaIsiraeri vose kuti, ‘Kana mumwe munhu, muIsraeri kana mutorwa agere munyika yeIsiraeri, aunza mupiro wake wokupisa kuna Tenzi, ungave mupiro wezvaakambotsidza kana mupiro wokupa nechido chake unopirwa kuna Tenzi somupiro wokupisa,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Taura naAroni, navanakomana vake, navana vaIsiraeri vose, uti kwavari, ‘Ani naani weimba yaIsiraeri, kana wavatorwa pakati pavaIsiraeri, unouya nechipo chake, kana chiri chemhiko, kana iri nhendo ipi neipi yokuda kwavo, chavanouya nacho kuna Jehovha, kuti chipiswe;
Shona 2009?
"Taura naAroni, navanakomana vake, navana vaIsiraeri vose, uti kwavari, `Ani naani weimba yaIsiraeri, kana wavatorwa pakati pavaIsiraeri, unouya nechipo chake, kana chiri chemhiko, kana iri nhendo ipi neipi yokuda kwavo, chavanouya nacho kuna Jehovha, kuti chipiswe;
Shona SUB 2002 Bible
“Taura naAroni, navanakomana vake, navana VaIsiraeri vose, uti kwavari, ‘Ani naani wemba yaIsiraeri, kana wavatorwa pakati paVaIsiraeri, unouya nechipo chake, kana chiri chemhiko, kana iri nhendo ipi neipi yokuda kwavo, chavanouya nacho kuna Jehovha, kuti chipiswe;