Leviticus 22:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
munofanira kuʋuya nomukono usina‐kuremara kana weŋombe, kana gondobge ramakwai, kana nhoŋgo yembudzi, kuti mugamucirwe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
munofanira kupa mukono usina kuremara wemombe, kana gwai, kana mbudzi kuitira kuti zvigogamuchirwa panzvimbo yenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kuti mupiro wake ugamuchirwe anofanira kupira chibayiro chikono chisina chinoshoreka pachiri, chehandira kana hondohwe kana makotora.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
munofanira kuuya nomukono musina kuremara kana wemombe, kana gondohwe ramakwai, kana nhongo yembudzi, kuti mugamuchirwe.
Shona 2009?
munofanira kuuya nomukono usina kuremara kana wemombe, kana gondobwe ramakwai, kana nhongo yembudzi, kuti mugamuchirwe.
Shona SUB 2002 Bible
munofanira kuuya nomukono asina kuremara kana wemombe, kana gondohwe ramakwai, kana nhongo yembudzi, kuti mugamuchirwe.