Leviticus 22:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Aninani unoʋuya neciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa kunaJehova, cokupika naco, kana kuti iʋe nhendo yokuɗa kwake, kana ciri ceŋombe kana camakwai, cinofanira kuʋa cakakwana, kuti cigamucirwe; ŋgacirege kuʋa cakaremara.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana munhu akauyisa kubva mudanga remombe kana ramakwai chipiriso chokuwadzana kuna Jehovha achizadzisa kupika kwake kana kuti sechipo chokungopawo, chinofanira kuva chisina kuremara kana chisina gwapa kuti chigamuchirwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana munhu achipira Tenzi chibayiro chomombe, kana chomupiro wokuwadzana kuna Tenzi kana mune zvimwe zvipfuwo zvemipiro yokuwadzana achiita mupiro wezvaakambotsidza ungave mupiro wechido chake, kuti mupiro iwoyo ugamuchirwe, chibayiro chake chinofanira kuva chakanaka chaizvo, chisina chinoshoreka pachiri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ani naani unouya nechibayiro chezvipiriso zvokuyananisa kuna Jehovha, chokupika nacho, kana kuti ive nhendo yokuda kwake, kana chiri chemombe kana chamakwai, chinofanira kuva chakakwana, kuti chigamuchirwe; ngachirege kuva chakaremara.
Shona 2009?
Ani naani unouya nechibayiro chezvipiriso zvokuyananisa kuna Jehovha, chokupika nacho, kana kuti ive nhendo yokuda kwake, kana chiri chemombe kana chamakwai, chinofanira kuva chakakwana., kuti chigamuchigwe; ngachirege kuva chakaremara.
Shona SUB 2002 Bible
Ani naani unouya nechibayiro chezvipiriso zvokuyananisa kuna Jehovha, chokupika nacho, kana kuti ive nhendo yokuda kwake, kana chiri chemombe kana chamakwai, chinofanira kuva chakakwana, kuti chigamuchirwe; ngachirege kuva chakaremara.