Leviticus 22:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana ciri cinhu cakaita ɓofu, kana cakavunika, kana cakakuʋara, kana cinamaronda, kana cinecikwekwe, kana cinapakafunuka, murege kupa Jehova iɀoɀo, musapisira Jehova iɀoɀo paartari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Musapa kuna Jehovha zvakapofumara, zvakakuvara kana zvakaremara, kana chinhu chine mhezi kana chine maronda anopararira. Musaisa chipi zvacho chezvinhu izvi paaritari sechipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Musapire Tenzi chipfuwo chakapofomara kana chakaremera kana chakaremadzwa kane chine ronda riri kubuda urwa kana chine chisasa kana chine mapezi. Musambopira izvozvo zvakadaro kuna Tenzi kana kuita nazvo mupiro wokupiswa paatari kuna Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana chiri chinhu chakaita bofu, kana chakavhunika, kana chakakuvara, kana chinamaronda, kana chine chikwekwe, kana china pakafunuka, murege kupa Jehovha izvozvo, musapisira Jehovha izvozvo paatari.
Shona 2009?
Kana chiri chinhu chakaita bofu, kana chakavhunika, kana chakakuvara, kana chinamaronda, kana chine chikwekwe, kana china pakafunuka, murege kupa Jehovha izvozvo, musapisira Jehovha izvozvo paaritari.
Shona SUB 2002 Bible
Kana chiri chinhu chakaita bofu, kana chakavhunika, kana chakakuvara, kana china maronda, kana chine chikwekwe, kana china pakafunuka, murege kupa Jehovha izvozvo, musapisira Jehovha izvozvo paatari.