Leviticus 22:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Musapa Jehova cinhu cinamanhu akakuʋadzwa, kana akapxanyika, kana akaputswa, kana akacekwa; musaɗaro panyika yenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hamufaniri kupa kuna Jehovha chipiriso chemhuka ina manhu akakuvara, akatswanywa, akabvamburwa kana akachekwa. Hamufaniri kuita izvi munyika menyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chipfuwo chipi nechipi zvacho chinenge chakasvuurwa, kana kupwanywa kana kuchekwa kana kubvarurwa musachipire kuna Tenzi kana kuchiita chibayiro munyika menyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Musapa Jehovha chinhu china manhu akakuvadzwa, kana akapwanyika, kana akaputswa, kana akachekwa; musadaro panyika yenyu.
Shona 2009?
Musapa Jehovha chinhu china manhu akakuvadzwa, kana akapwanyika, kana akaputswa, kana,akachekwa, musadaro panyika yenyu.
Shona SUB 2002 Bible
Musapa Jehovha chinhu china manhu akakuvadzwa, kana akapwanyika, kana akaputswa, kana akachekwa; musadaro panyika yenyu.