Leviticus 22:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ʋanofanira kuceŋgeta ɀandakaraira, kuti ʋarege kuʋa neɀiʋi nokuɗa kwaɀo, ʋafe naɀo, kana ʋaɀishatsa; ndini Jehova, ndinoʋatsaura.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Vaprista vanofanira kuchengeta zvandakarayira kuitira kuti vasava nemhosva uye vakazofa nokuda kwokuti vashora zvandakarayira. Ndini Jehovha anovaita vatsvene.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Saka ngavateerere mirao yangu nokuti vangadaro vakaita chitadzo chokuizvidza, vakafa. Ini Tenzi, ndini ndinovaita kuti vave vatsvene.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Naizvozvo vanofanira kuchengeta zvandakaraira, kuti varege kuva nezvivi nokuda kwazvo, vafe nazvo, kana vazvishatsa; ndini Jehovha, ndinovatsaura.
Shona 2009?
"Naizvozvo vanofanira kuchengeta zvandakaraira, kuti varege kuva nezvivi nokuda kwazvo, vafe nazvo, kana vazvishatisa; ndini Jehovha, ndinovatsaura.
Shona SUB 2002 Bible
“Naizvozvo vanofanira kuchengeta zvandakaraira, kuti varege kuva nezvivi nokuda kwazvo, vafe nazvo, kana vazvisvibisa; ndini Jehovha, ndinovatsaura.