Leviticus 23:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Taura naʋana ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Mitambo yakatarwa naJehova, yamunofanira kuparidzira muciti ndidzo ʋuŋgano tȿene, ndiyo mitambo yaŋgu yakatarwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Taura kuvaIsraeri uti kwavari, ‘Iyi ndiyo mitambo yangu yandakatara, mitambo yakatarwa yaJehovha yamunofanira kudaidzira seungano tsvene.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Taurira vaIsiraeri kuti, ‘Mazuva makuru aTenzi andakasarudza amunofanira kuti ave mazuva emusangano mutsvene ezvokunamata ndeaya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, ‘Mitambo yakatarwa naJehovha, yamunofanira kuparidzira muchiti ndidzo ungano tsvene, ndiyo mitambo yangu yakatarwa.’
Shona 2009?
"Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, `Mitambo yakatarwa naJehovha, yamunofanira kuparidzira muchiti ndidzo ungano tsvene, ndiyo mitambo yangu yakatarwa.'
Shona SUB 2002 Bible
“Taura navana VaIsiraeri, uti kwavari, ‘Mitambo yakatarwa naJehovha, yamunofanira kuparidzira muchiti ndidzo ungano tsvene, ndiyo mitambo yangu yakatarwa.’