Leviticus 23:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Muprista unofanira kuɀizuŋguzira pamŋe cete neɀiŋgwa ɀitȿa, ciʋe cipiriso cinozuŋguzirwa pamberi paJehova, pamŋe cete namakwaiana maʋiri iwayo; ɀinofanira kuʋa ɀitȿene kunaJehova ɀiri ɀomuprista.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muprista anofanira kuninira makwayana maviri pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira pamwe chete nechingwa chegohwo rokutanga. Izvi zvipiriso zvitsvene kuna Jehovha zvomuprista.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mupristi ngaazvisimudze achizvipira nechingwa chiya chembesanwa dzinotanga kukohwiwa somupiro unosimudzwa uchipirwa kuna Tenzi nehwayana mbiri. Zvinhu izvozvi zvinenge zvapirwa kuna Tenzi, zvinoera, zvinozopihwa vapristi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mupristi anofanira kuzvizunguzira pamwechete nezvingwa zvitsva, chive chipiriso chinozunguzirwa pamberi paJehovha, pamwechete namakwayana maviri iwayo; zvinofanira kuva zvitsvene kuna Jehovha zviri zvomupristi.
Shona 2009?
muprista anofanira kuzvizunguzira pamwechete nezvingwa zvitsva, chive chipiriso chinozunguzirwa pamberi paJehovha, pamwechete namakwayana maviri iwayo; zvinofanira kuva zvitsvene kuna Jehovha zviri zvomuprista.
Shona SUB 2002 Bible
Mupristi anofanira kuzvizunguzira pamwechete nezvingwa zvitsva, chive chipiriso chinozunguzirwa pamberi paJehovha, pamwechete namakwayana maviri iwayo; zvinofanira kuva zvitsvene kuna Jehovha zviri zvomupristi.