Leviticus 23:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana mucikohwa gohwa reminda yenyu, rega kukohwa kwaɀo miceto yomunda wako, ʋuye usaʋuŋganidza ɀawira pasi pakukohwa kwako; unofanira kuɀisiyira ʋarombo naʋaeni; ndini Jehova Mŋari wenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Kana muchikohwa gohwo renyika yenyu musakohwa kusvikira kumucheto kwomunda wenyu, kana kunhongera zvinosara pakukohwa kwenyu. Zvisiyirei varanda navatorwa. Ndini Jehovha Mwari wenyu.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kana mokohwa minda yenyu regai kukohwa kumuchetocheto kana kufuhwa mbesanwa dzinosaririra muminda yenyu. Ngazvisiyirwe varombo navatorwa. Ndini Tenzi Mwari wenyu ndinodaro.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana muchikohwa gohwa reminda yenyu, rega kukohwa kwazvo micheto yomunda wako, uye usaunganidza zvawira pasi pakukohwa kwako; unofanira kuzvisiyira varombo navaeni; ndini Jehovha Mwari wenyu.”
Shona 2009?
Kana muchikohwa gohwo reminda yenyu, rega kukohwa kwazvo micheto yomunda wako, uye usaunganidza zvawira pasi pakukohwa kwako; unofanira kuzvisiyira varombo navaeni; ndini Jehovha Mwari wenyu."
Shona SUB 2002 Bible
Kana muchikohwa goho reminda yenyu, rega kukohwa kwazvo micheto yomunda wako, uye usaunganidza zvawira pasi pakukohwa kwako; unofanira kuzvisiyira varombo navaeni; ndini Jehovha Mwari wenyu.”