Leviticus 23:32 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Rinofanira kuʋa kwamuri saɓata rokuzorora kwaɀo, munofanira kucema pamŋeya yenyu; munofanira kuceŋgeta saɓata renyu, nezuʋa repfumbamŋe romŋedzi maɗekwana, kubva pamaɗekwana kuȿikira pamaɗekwana ɀe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iri iSabata renyu rokuzorora, uye munofanira kuzvinyima. Kubva manheru ezuva repfumbamwe romwedzi kusvikira manheru anotevera munofanira kucherechedza Sabata.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kwamuri, zuva iri, iSabata guru rokuzorora. Munofanira kuzvinyima kubvira manheru ezuva rechipfumbamwe romwedzi iwoyo. Chengetai Sabata kubvira manheru iwayo kusvikira mangwana manheru.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Rinofanira kuva kwamuri Sabata rokuzorora kwazvo, munofanira kuchema pamweya yenyu; munofanira kuchengeta Sabata renyu, nezuva repfumbamwe romwedzi madekwana, kubva pamadekwana kusvikira pamadekwanazve.”
Shona 2009?
Rinofanira kuva kwamuri Sabata rokuzorora kwazvo, munofanira kuchema pamweya yenyu; munofanira kuchengeta Sabata renyu, nezuva repfumbamwe romwedzi madekwana, kubva pamadekwana kusvikira pamadekwanazve."
Shona SUB 2002 Bible
Rinofanira kuva kwamuri Sabata rokuzorora kwazvo, munofanira kuchema pamweya yenyu; munofanira kuchengeta Sabata renyu, nezuva repfumbamwe romwedzi madekwana, kubva pamadekwana kusvikira pamadekwanazve.”