Leviticus 24:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Munhu unomhura zita raJehova, ɀirokwaɀo unofanira kuʋurawa; ʋuŋgano yose inofanira kumutaka namabge, kana ari mutorwa, kana ari wakaɓerekerwa munyika, kana acimhura zita raJehoʋa unofanira kuʋurawa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
ani naani anotuka zita raJehovha anofanira kuurayiwa. Ungano yose inofanira kumutaka namabwe. Kunyange ari mutorwa kana chizvarwa chenyu, akatuka Zita raJehovha anofanira kuurayiwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munhu anoshonha Tenzi nezita anofanira kuuraiwa. Gungano rose ngarimutake nemabwe, chingave zvacho chizvarwa chomuIsiraeri kana kuti mutorwa ngaaurayiwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Munhu unomhura zita raJehovha, zvirokwazvo anofanira kuurawa; ungano yose inofanira kumutaka namahwe, kana ari mutorwa, kana ari wakaberekerwa munyika, kana achimhura zita raJehovha unofanira kuurawa.
Shona 2009?
Munhu unomhura zita raJehovha, zvirokwazvo anofanira kuurawa; ungano yose inofanira kumutaka namabwe, kana ari mutorwa, kana ari wakaberekerwa munyika, kana achimhura zita raJehovha unofanira kuurawa.
Shona SUB 2002 Bible
Munhu unomhura zita raJehovha, zvirokwazvo anofanira kuurayiwa; ungano yose inofanira kumutaka namabwe, kana ari mutorwa, kana ari wakaberekerwa munyika, kana achimhura zita raJehovha unofanira kuurayiwa.