Leviticus 24:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Munofanira kuʋa nomurairo mumŋe cete kumutorwa kana kunowakaɓerekerwa panyika; nokuti ndini Jehova Mŋari wenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Munofanira kuva nomutemo mumwe chete pamutorwa napachizvarwa chemo. Ndini Jehovha Mwari wako.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mutemo mumwechete iwoyu ndiwo unosunga zvimwechetezvo muIsiraeri nomutorwa nokuti ini Tenzi ndini Mwari wenyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Munofanira kuva nomurayiro mumwe chete kumutorwa kana kunowakaberekerwa panyika; nokuti ndini Jehovha Mwari wenyu.”
Shona 2009?
Munofanira kuva nomurayiro mumwe chete kumutorwa kana kunowakaberekerwa panyika; nokuti ndini Jehovha Mwari wenyu."
Shona SUB 2002 Bible
Munofanira kuva nomurairo mumwechete kumutorwa kana kune wakaberekerwa panyika; nokuti ndini Jehovha Mwari wenyu.”