Leviticus 24:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kunze kwecidzitiro cecipupuriro, mutente rokusoŋgana, Aroni unofanira kuigadzira kubva maɗekwana kuȿikira maŋgwanani ŋguʋa dzose pamberi paJehova; unofanira kuʋa mutemo usiŋgaperi kuȿikira kumarudzi enyu ose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunze kwechidzitiro cheChipupuriro muTende Rokusangana, Aroni anofanira kuchengetedza mwenje iyi pamberi paJehovha kubva manheru kusvikira kwaedza, nguva dzose. Uyu unofanira kuva murayiro unogara nokusingaperi kumarudzi achauya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nechedivi rokunze kwejira rokudzikatirisa bhokisi rechitenderano, mutendhe rokusanganira. Manheru oga oga, Aroni ngaatungidze marambi iwayo ave pana Tenzi achipfuta kusvikira mangwana mangwanani. Iwoyu murao uchange uripo narini wose pazvizvarwa zvenyu zvose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kunze kwechidzitiro chechipupuriro, mutende rokusangana, Aroni anofanira kuigadzira kubva madekwana kusvikira mangwanani nguva dzose pamberi paJehovha; unofanira kuva mutemo usingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose.
Shona 2009?
Kunze kwechidzitiro chechipupuriro, mutende rokusangana, Aroni anofanira kuigadzira kubva madekwana kusvikira mangwanani nguva dzose pamberi paJehovha; unofanira kuva mutemo usingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose.
Shona SUB 2002 Bible
Kunze kweketeni rechipupuriro, mutende rokusangana, Aroni anofanira kuigadzira kubva madekwana kusvikira mangwanani nguva dzose pamberi paJehovha; unofanira kuva mutemo usingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose.