Leviticus 25:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Gore irero ramakumi mashanu rinofanira kuʋa rejuberi kwamuri; musadɀara, ʋuye musakohwa naro magoko, ʋuye musatanha naro mazambiriŋga emizambiriŋga isina‐kugurirwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Gore ramakumi mashanu richava gore reJubhiri kwamuri. Musadyara uye musakohwa mazambiringa amagoho.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Gore rechimakumi mashanu kwamuri, igore rokupemberera Jubhiri iroro, mugore iro regai kurima minda yenyu, kana kukohwa zvemahoko kana kutanha magirepisi pamigirepisi yamusina kupemhena iya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Gore irero ramakumi mashanu rinofanira kuva rejubheri kwamuri; kusadyara, uye musakohwa naro magoko, uye musatanha naro mazambiringa emizambiringa isina kugurirwa.
Shona 2009?
Gore irero ramakumi mashanu rinofanira kuva rejubheri kwamuri; kusadzvara, uye musakohwa naro magoko, uye musatanha naro pamizambiringa isina kugurirwa.
Shona SUB 2002 Bible
Gore irero ramakumi mashanu rinofanira kuva reJubhiri kwamuri; kusadyara, uye musakohwa naro magoko, uye musatanha naro mazambiringa emizambiringa isina kugurirwa.