Leviticus 25:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Uteŋge kunowokwako ucienzanisa namakore kubva pagore rejuberi, naiye unofanira kukuteŋgesera acienzanisa namakore akasara okukohwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Munofanira kutenga kubva kuvagari venyika yenyu zvichienderana nouwandu hwamakore kubva pagore reJubhiri. Uye iye anofanira kutengesa zvichienderana nouwandu hwamakore asara okukohwa zvirimwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana munhu otenga munda womumwe, ngapaverengwe makore apfuura kubvira pagore rehwamanda, munda ngautengeswe pachiverengiwa makore okurima asara.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Utenge kuno wokwako uchienzanisa namakore kubva pagore rejubheri, naiye unofanira kukutengesera achienzanisa namakore akasara okukohwa.
Shona 2009?
Utenge kuno wokwako uchienzanisa namakore kubva pagore rejubheri, naiye unofanira kukutengesera achienzanisa namakore akasara okukohwa.
Shona SUB 2002 Bible
Utenge kuno wokwako uchienzanisa namakore kubva pagore reJubhiri, naiye unofanira kukutengesera achienzanisa namakore akasara okukohwa.