Leviticus 25:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Unofanira kuwedzera muteŋgo waɀo ucienzanisa nokuwanda kwamakore, ʋuye unofanira kutapudza muteŋgo ucienzanisa noʋushoma bgamakore; nokuti iye unokuteŋgesera ŋguʋa dzokukohwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana makore awanda, munofanira kuwedzera mutengo, uye kana makore ari mashoma, munofanira kudzikisa mutengo, nokuti zvaari kukutengeserai ndizvo chaizvoizvo uwandu hwezvirimwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana kuchine makore mazhinji mutengo wacho ngaukwidzwe. Asi kana kwasara makore mashoma mutengo wacho ngauderedzwe nokuti chaanokutengesera chaicho huwandi hwamakore auchazorima.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Unofanira kuwedzera mutengo wazvo uchienzanisa nokuwanda kwamakore, uye unofanira kutapudza mutengo uchienzanisa noushoma hwamakore; nokuti iye unokutengesera nguva dzokukohwa.
Shona 2009?
Unofanira kuwedzera mutengo wazvo uchienzanisa nokuwanda kwamakore, uye unofanira kutapudza mutengo uchienzanisa noushoma hwamakore; nokuti iye unokutengesera nguva dzokukohwa.
Shona SUB 2002 Bible
Unofanira kuwedzera mutengo wazvo uchienzanisa nokuwanda kwamakore, uye unofanira kutapudza mutengo uchienzanisa noushoma hwamakore; nokuti iye unokutengesera nguva dzokukohwa.