Leviticus 25:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Taura naʋana ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Kana muciȿika munyika yandicakupai, nyika inofanira kuitira Jehova saɓata.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mapinda munyika yandichakupai, nyika pachayo inofanira kucherechedza sabata kuna Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Udza vaIsiraeri kuti, kana masvika munyika yandiri kukupai, nyika ngaivewo neSabata rayo pamusana paTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Taura navana vaIsiraeri uti kwavari, ‘Kana muchisvika munyika yandichakupai, nyika inofanira kuitira Jehovha Sabata.
Shona 2009?
"Taura navana vaIsiraeri uti kwavari: Kana muchisvika munyika yandichakupai, nyika inofanira kuitira Jehovha Sabata.
Shona SUB 2002 Bible
“Taura navana VaIsiraeri uti kwavari, ‘Kana muchisvika munyika yandichakupai, nyika inofanira kuitira Jehovha Sabata.