Leviticus 25:30 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana isiŋgadzikinurwi gore rose rikapera, ɀino imba iyo iri muguta rakakombga namaȿiŋgo inofanira kusimbiswa kuti ndeyaiye wakaiteŋga nokusiŋgaperi, nokumarudzi ake; haiŋgasunuŋgurwi negore rejuberi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana isina kudzikinurwa gore risati rapfuura, imba iri muguta rino rusvingo ichava yowakatenga nezvizvarwa zvake nokusingaperi. Haifaniri kudzorerwa paJubhiri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi kana gore rikapera asina kuidzikinura, imba yakadai, iri muguta rakakomberedzwa norusvingo, ichazogara iri yomunhu akaitenga iyeyo pazvizvarwa zvake zvose, haasungirwi kuidzosera kumuridzi pagore rehwamanda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana isingadzikinurwi gore rose rikapera, zvino imba iyo iri muguta rakakombwa namasvingo inofanira kusimbiswa kuti ndeyaiye wakaitenga nokusingaperi, nokumarudzi ake; haingasunungurwi negore rejubheri.
Shona 2009?
Kana isingadzikunurwi gore rose rikapera, zvino imba iyo iri muguta rakakombwa namasvingo inofanira kusimbiswa kuti ndeyaiye wakaitenga nokusingaperi, nokumarudzi ake; haingasunungurwi negore rejubheri.
Shona SUB 2002 Bible
Kana isingadzikinurwi gore rose rikapera, zvino imba iyo iri muguta rakakombwa namasvingo inofanira kusimbiswa kuti ndeyaiye wakaitenga nokusingaperi, nokumarudzi ake; haingasunungurwi negore reJubhiri.