Leviticus 25:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi pagore recinomŋe nyika inofanira kuzorora kwaɀo, riʋe saɓata kunaJehova; usadɀara munda wako, kana kugurira mizambiriŋga yako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi mugore rechinomwe, nyika inofanira kuva nesabata rokuzorora, sabata rokuitira Jehovha. Musadyara minda yenyu kana kudimurira mizambiringa yenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi gore rechinomwe ngarive gore reSabata rokuzorodza minda, negore rakapirwa Tenzi. Musarime minda yenyu kana kupemhena migirepisi yenyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi pagore rechinomwe nyika inofanira kuzorora kwazvo, rive Sabata kuna Jehovha; usadyara munda wako, kana kugurira mizambiringa yako.
Shona 2009?
Asi pagore rechinomwe nyika inofanira kuzorora kwazvo, rive Sabata kuna Jehovha; usadzvara munda wako, kana kugurira mizambiringa yako.
Shona SUB 2002 Bible
Asi pagore rechinomwe nyika inofanira kuzorora kwazvo, rive Sabata kuna Jehovha; usadyara munda wako, kana kugurira mizambiringa yako.