Leviticus 25:49 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kana ɓaɓamunini ʋake, kana mŋanakomana waɓaɓamunini ʋake, uŋgamudzikinura, kana aninani ʋehama dzake dzomumba make uŋgamudzikinura; kana iye akazoʋa mufumi, uŋgaɀidzikinura amene.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Babamunini vake kana mwanakomana wababamunini vake, kana hama yake yapedyo worudzi rwake angamudzikinura.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
angave sekuru wake kana babamukuru kana babamudiki wake, kana kuti mukoma kana munun'una wake, kana imwe hama yake yomudzinza rokwake. Dai kuri kuti iye apfumawo anogona kuzvidzikinura pachake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kana babamunini vake, kana mwanakomana wababamunini vake, ungamudzikinura, kana ani naani vehama dzake dzomumba make ungamudzikinura; kana iye akazova mupfumi, ungazvidzikinura amene.
Shona 2009?
kana babamunini vake, kana mwanakomana wababamunini vake, ungamudzikunura, kana ani naani wehama dzake dzomumba make ungamudzikunura; kana iye akazova mufumi, ungazvidzikunura amene.
Shona SUB 2002 Bible
kana babamunini vake, kana mwanakomana wababamunini vake, ungamudzikinura, kana ani naani vehama dzake dzomumba make ungamudzikinura; kana iye akazova mupfumi, ungazvidzikinura amene.