Leviticus 25:50 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino iye nomuteŋgi wake ʋanofanira kuʋereŋga makore kubva pagore raakaɀiteŋgesa naro kwaari kuȿikira pagore rejuberi, muteŋgo waakaɀiteŋgesa nawo unofanira kuenzaniswa namakore; ŋguʋa yokugara kwake naye inofanira kuenzaniswa neŋguʋa yomuɓatiri unopiwa muɓairo wake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iye neanomutenga vanofanira kuverenga nguva kubva pagore raakazvitengesa kusvikira paGore reJubhiri. Mutengo wokusunungurwa kwake unofanira kuenzaniswa nemari inoripwa mushandi wemaricho kwamakore iwayo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ngaaverengerane makore nomunhu akamutenga, kubvira pagore raakazvitengesa kwaari kusvikira pagore rehwamanda. Mari yacho inofanira kuwirirana nemakore acho. Makore aakanga aina vatenzi vake anofanira kutorwa semakore aakanga achiita zvake basa somushandi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino iye nomutengi wake vanofanira kuverenga makore kubva pagore raakazvitengesa naro kwaari kusvikira pagore rejubheri, mutengo waakazvitengesa nawo unofanira kuenzaniswa namakore; nguva yokugara kwake naye inofanira kuenzaniswa nenguva yomubatiri unopiwa mubayiro wake.
Shona 2009?
Zvino iye nomutengi wake vanofanira kuverenga makore kubva pagore raakazvitengesa naro kwaari kusvikira pagore rejubheri, mutengo waakazvitengesa nawo unofanira kuenzaniswa namakore; nguva yokugara kwake naye inofanira kuenzaniswa nenguva yomubatiri unopiwa mubayiro wake.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino iye nomutengi wake vanofanira kuverenga makore kubva pagore raakazvitengesa naro kwaari kusvikira pagore reJubhiri, mutengo waakazvitengesa nawo unofanira kuenzaniswa namakore; nguva yokugara kwake naye inofanira kuenzaniswa nenguva yomubatiri unopiwa mubairo wake.