Leviticus 26:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndini Jehova Mŋari wenyu, wakakuɓuɗisai munyika yeEgipita, kuti murege kuʋa ʋatapxa ʋaʋo; ndakavuna matanda ejoko renyu, ndikakufambisai makati tasa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndini Jehovha Mwari wenyu, ndakakubudisai kubva munyika yeIjipiti kuti musazova varanda kuvaIjipiti zvakare, ndakatyora matanda ejoko renyu ndikakufambisai makati twi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ini Tenzi ndini Mwari wenyu akakuburitsai munyika yeIjipiti kuti murege kuva varanda vavo. Ndakatyora zvikei zvejoko rouranda hwenyu ndikaita kuti mufambe makasununguka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndini Jehovha Mwari wenyu, wakakubudisai munyika yeIjipiti, kuti murege kuva vatapwa vavo; ndakavhuna matanda ejoko renyu, ndikakufambisai makati tasa.
Shona 2009?
Ndini Jehovha Mwari wenyu, wakakubudisai munyika yeIjipiti, kuti murege kuva vatapwa vavo; ndakavhuna matanda ejoko renyu, ndikakufambisai makati tasa.
Shona SUB 2002 Bible
Ndini Jehovha Mwari wenyu, wakakubudisai munyika yeIjipiti, kuti murege kuva vatapwa vavo; ndakavhuna matanda ejoko renyu, ndikakufambisai makati tasa.