Leviticus 26:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
neni ʋo ndicakuitirai iɀi: Ndicaʋuyisa ɀinotyisa pamsoro penyu, hosha yorukosoro nefiviri ɀicaparadza meso nokuwondisa mŋeya yenyu; mucadɀara mbeu yenyu pasina, nokuti ʋaʋeŋgi ʋenyu ʋacaɀidya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
ipapo ndichaita izvi kwamuri: Ndichauyisa pamusoro penyu zvinotyisa, zvirwere zvinoparadza nedenda richaparadza meso enyu, uye rigokusvetai upenyu hwenyu. Muchadyarira zviyo zvenyu pasina nokuti vavengi venyu vachazvidya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
zvandichaita kwamuri ndezvizvi: ndichakutsvatai nenhamo dzinodederesa, muchaperezeka muchipisa muviri nechirwere chinokupofomadzai muchizoondoroka zvokufa. Muchadyarira mbeu dzenyu pasina, nokuti vavengi venyu ndovachadzidya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
neniwo ndichakuitirai izvi: Ndichauyisa zvinotyisa pamusoro penyu, hosha yorukosoro nefivhiri zvichaparadza meso nokuwondisa mweya yenyu; muchadyara mbeu yenyu pasina, nokuti vavengi venyu vachazvidya.
Shona 2009?
neniwo ndichakuitirai izvi: Ndichauyisa zvinotyisa pamusoro penyu, hosha yorukosoro nefivhiri zvichaparadza meso nokuwondisa mweya yenyu; muchadzvara mbeu yenyu pasina, nokuti vavengi venyu vachazvidya.
Shona SUB 2002 Bible
neniwo ndichakuitirai izvi: Ndichauyisa zvinotyisa pamusoro penyu, chirwere chorukosoro nefivhiri zvichaparadza meso nokuwondisa mweya yenyu; muchadyara mbeu yenyu pasina, nokuti vavengi venyu vachazvidya.