Leviticus 26:36 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana ʋari ʋamŋe ʋenyu ʋakasara, ndicatuma kutya pamŋoyo yaʋo ʋari munyika yaʋaʋeŋgi ʋaʋo; kana ʋacinzwa shizha ricipepereka, ʋacatiza; ʋacatiza somunhu unotiza munondo, ʋacawa kunyaŋge kusinomunhu unoʋadziŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Kana vari vamwe venyu vanosara, ndichaita kuti hana dzavo dzizare nokutya munyika dzavavengi vavo zvokuti kurira kweshizha rinopeperetswa nemhepo kuchaita kuti vatize. Vachamhanya vachiwirana sokunge vari kutiza munondo, vachawa kunyange pasina ari kuvadzinganisa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Chitsama chavanhu vanenge vasara ikoko kunyika dzevavengi venyu ndichachipa mwoyo woumbwende zvokuti kunyange mhepo ikapeperetsa shizha rikati shwakata vachati pfocho kutiza. Vachamhanya savanhu vari kutiza hondo yebakatwa. Vachaputsika pasina munhu ari kuvadzingirira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kana vari vamwe venyu vakasara, ndichatuma kutya pamwoyo yavo vari munyika yavavengi vavo; kana vachinzwa shizha richipepereka, vachatiza; vachatiza somunhu unotiza munondo, vachawa kunyange kusina munhu unovadzinga.
Shona 2009?
"Kana vari vamwe venyu vakasara, ndichatuma kutya pamoyo yavo vari munyika yavavengi vavo; kana vachinzwa shizha richipepereka, vachatiza; vachatiza somunhu unotiza munondo, vachawa kunyange kusina munhu unovadzinga.
Shona SUB 2002 Bible
“Kana vari vamwe venyu vakasara, ndichatuma kutya pamwoyo yavo vari munyika yavavengi vavo; kana vachinzwa shizha richipepereka, vachatiza; vachatiza somunhu unotiza munondo, vachawa kunyangwe kusina munhu unovadzinga.