Leviticus 26:43 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nyika icafanira kusiyiwa naʋo, kuti ifarire masaɓata ayo icakaparadzwa iʋo ʋasi’po; ʋacarobga pamsoro peɀiʋi ɀaʋo, nokuti ʋakaramba ɀandakaŋga ndatoŋga, mŋeya yaʋo ikasema mitemo yaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti nyika yavachasiya icharamba ichifarira masabata ayo kunyange yaparadzwa saizvozvo vasimo. Vacharipira zvivi zvavo nokuti vakaramba mirayiro yangu vakasema mitemo yangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi nyika yavo, vachaisiya ichimbofarirao maSabata ayo okuzorora paichasara isina munhu, vachimbondoripira zvakaipa zvavo nokuti mirao yangu vakaiona sechinhu chisina maturo, mwoyo yavo ikasema mitemo yangu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nyika ichafanira kusiyiwa navo, kuti ifarire maSabata ayo ichakaparadzwa ivo vasipo; vacharohwa pamusoro pezvivi zvavo, nokuti vakaramba zvandakanga ndatonga, mweya yavo ikasema mitemo yangu.
Shona 2009?
Nyika ichafanira kusiyiwa navo, kuti ifarire maSabata ayo ichaparadzwa ivo vasipo; vacharohwa pamusoro pezvivi zvavo, nokuti vakaramba zvandakanga ndatonga, mweya yavo ikasema mitemo yangu.
Shona SUB 2002 Bible
Nyika ichafanira kusiyiwa navo, kuti icherechedze maSabata ayo iri dongo ivo vasipo; vacharohwa pamusoro pezvivi zvavo, nokuti vakaramba zvandakanga ndatonga, mweya yavo ikasema mitemo yangu.