Leviticus 26:44 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kunyaŋge ɀakaɗaro, kana ʋari munyika yaʋaʋeŋgi ʋaʋo, handiŋgaʋarashi, handiŋgaʋasemi, ndiʋaparadze cose, nokuputsa suŋgano yaŋgu naʋo; nokuti ndini Jehova Mŋari waʋo;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi kunyange zvakadaro, kana vari munyika yavavengi vavo, handizovarambi kana kuvasema kuti ndivaparadze zvachose, ndichiputsa sungano yangu navo. Ndini Jehovha Mwari wavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kunyange zvakadaro zvazvo, kana vava kunyika yevavengi vavo ini handizochekani ukama navo, kana kuvavenga zvokuvatsakatisa, ndichityora chitenderano changu navo nokuti ini Tenzi ndini Mwari wavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kunyange zvakadaro, kana vari munyika yavavengi vavo, handingavarashi, handigavasemi, ndivaparadze chose, nokuputsa sungano yangu navo; nokuti ndini Jehovha Mwari wavo;
Shona 2009?
Kunyange zvakadaro, kana vari munyika yavavengi vavo, handingavarashi, handigavasemi, ndivaparadze chose, nokuputsa sungano yangu navo; nokuti ndini Jehovha Mwari wavo;
Shona SUB 2002 Bible
Kunyangwe zvakadaro, kana vari munyika yavavengi vavo, handingavarashi, handigavasemi, ndivaparadze chose, nokuputsa sungano yangu navo; nokuti ndini Jehovha Mwari wavo;