Leviticus 27:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Haafaniri kuɀishandura kana kutsinhanhisa cakaipa necakanaka, kana cakanaka necakaipa; kana atsinhanhisa cipfuwo necipfuwo, ico necakatsinhiwa, ɀose ɀiri ɀiʋiri ɀinofanira kuʋa ɀitȿene.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Haafaniri kuchitsinhanisa kana kuisa chakanaka panzvimbo yechakaipa, kana chakaipa panzvimbo yechakanaka; kana akaisa mhuka pachinzvimbo cheimwe, dzose dziri mbiri neyatsinhanisa dzichava tsvene.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munhu akaita mhiko iyoyo haabvumirwi kuunza chimwe chipfuwo chokudzikinura kana kuchitsivanisa nacho kana kutsinhanisa. Hazvinei kuti chakanaka nechakaipa kana chakaipa nechakanaka chokuchitsinhanisa nacho, zvose zviri zviviri zvava zvaTenzi zvavakuera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Haafaniri kuzvishandura kana kutsinhanhisa chakaipa nechakanaka, kana chakanaka nechakaipa; kana atsinhanhisa chipfuwo nechipfuwo, icho nechakatsinhiwa, zvose zviri zviviri zvinofanira kuva zvitsvene.
Shona 2009?
Haafaniri kuzvishandura kana kutsinhanisa chakaipa nechakanaka, kana chakanaka nechakaipa; kana atsinhanisa chipfuwo nechipfuwo, icho nechakatsinhiwa, zvose zviri zviviri zvinofanira kuva zvitsvene.
Shona SUB 2002 Bible
Haafaniri kuzvishandura kana kutsinhanhisa chakaipa nechakanaka, kana chakanaka nechakaipa; kana atsinhanhisa chipfuwo nechipfuwo, icho nechakatsinhiwa, zvose zviri zviviri zvinofanira kuva zvitsvene.