Leviticus 27:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana munhu aciita imba yake tȿene, kuti iʋe tȿene kunaJehova, muprista unofanira kuitarira, kana yakanaka kana yakaipa; seɀainotarirwa nomuprista, ɀinofanira kuramba ɀakaɗaro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Kana munhu akakumikidza imba yake sechinhu chitsvene kuna Jehovha, muprista achatara kukosha kwayo kuti yakanaka here kana kuti yakaipa. Mutengo upi noupi uchatemwa nomuprista, ndiwo ucharamba uripo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kana munhu achiturira imba yake kuna Tenzi, mupristi ngaandoona imba yacho kuti yakanaka here kana kuti kwete ateme mutengo wayo. Mutengo waanenge atema ndiwoyo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kana munhu achiita imba yake tsvene, kuti ive tsvene kuna Jehovha, mupristi anofanira kuitarira, kana yakanaka kana yakaipa; sezvainotarirwa nomupristi, zvinofanira kuramba zvakadaro.
Shona 2009?
"Kana munhu achiita imba yake tsvene, kuti ive tsvene kuna Jehovha, muprista anofanira kuitarira, kana yakanaka kana yakaipa; sezvainotarirwa nomuprista, zvinofanira kuramba zvakadaro.
Shona SUB 2002 Bible
“Kana munhu achiita imba yake tsvene, kuti ive tsvene kuna Jehovha, mupristi anofanira kuitarira, kana yakanaka kana yakaipa; sezvainotarirwa nomupristi, zvinofanira kuramba zvakadaro.