Leviticus 27:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana iye wakaita imba yake tȿene aciɗa kuidzikinura, unofanira kuwedzera ceshanu cemari yawakatara iwe, ipapo icaʋa yake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana murume anokumikidza imba yake akaidzikinura, anofanira kupamhidzira chikamu chimwe chete muzvishanu zvomutengo wayo. Uye imba ichava yake zvakare.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana nyakumboiturira kuna Mwari oda kudzikinura, ngaabvise mutengo wacho wemari achiwedzera makumi maviri pazana roga roga, igobva yava yake zvakare.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana iye wakaita imba yake tsvene achida kuidzikinura, anofanira kuwedzera cheshanu chemari yawakatara iwe, ipapo ichava yake.
Shona 2009?
Kana iye wakaita imba yake tsvene achida kuidzikunura, anofanira kuwedzera cheshanu chemari yawakatara iwe, ipapo ichava yake.
Shona SUB 2002 Bible
Kana iye wakaita imba yake tsvene achida kuidzikinura, anofanira kuwedzera cheshanu chemari yawakatara iwe, ipapo ichava yake.