Leviticus 27:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana munhu akaitira Jehova ndima yomunda wake tȿene, iwe unofanira kuitarira muteŋgo ucienzanisa neɀakadɀarwa’mo; homeri imŋe yebari yakadɀarwa iite mashekeri makumi mashanu esirveri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Kana munhu akakumikidza kuna Jehovha chikamu chomunda wemhuri yake, mutengo wawo unofanira kutarwa zvichienderana nouwandu hwezviyo zvinodiwa ipapo, mashekeri makumi mashanu esirivha pahomerii yezviyo yebhari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kana munhu akaturira chidimbu chomunda wake wenhaka kuna Tenzi, mutengo wacho ngautemwe maererano nouwandi hwembeu dzinogona kudyarwamo, ngaabvise gumi remari yesirivha yamashekeri pakoroni inorema makirogiramu makumi maviri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kana munhu akaitira Jehovha ndima yomunda wake tsvene, iwe unofanira kuitarira mutengo uchienzanisa nezvakadyarwamo; homeri imwe yebhari yakadyarwa iite mashekeri makumi mashanu esirivha.
Shona 2009?
"Kana munhu akaitira Jehovha ndima yomunda wake tsvene, iwe unofanira kuitarira mutengo uchienzanisa nezvakadzvarwamo; homeri imwe yebhari yakadzvarwa iite mashekeri makumi mashanu esirivha.
Shona SUB 2002 Bible
“Kana munhu akaitira Jehovha ndima yomunda wake tsvene, iwe unofanira kuitarira mutengo uchienzanisa nezvakadyarwamo; homeri imwe yebhari yakadyarwa iite mashekeri makumi mashanu esirivha.