Leviticus 27:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi kana acitsaura munda wake shure kwegore rejuberi, muprista unofanira kumutarira mari yakaenzana namakore akasara kuȿikira pagore rejuberi; ɀino mari iyo inofanira kutapudzwa pakutara kwako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi kana akakumikidza munda wake mushure meJubhiri, muprista achatara mutengo zvichienderana namakore asara Jubhiri rinotevera risati rasvika, uye mutengo wawo wakatarwa uchaderedzwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi kana munhu akazoturira Mwari munda wake kwapera makore akati kuti, gore rehwamanda rapfuura, mupristi ngaateme mutengo wawo unokwanirana namakore asara kusvika pagore rehwamanda achibvisa mari yawo yamakore akapfuura.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi kana achitsaura munda wake shure kwegore rejubheri, mupristi anofanira kumutarira mari yakaenzana namakore akasara kusvikira pagore rejubheri; zvino mari iyo inofanira kutapudzwa pakutara kwako.
Shona 2009?
Asi kana achitsaura munda wake shure kwegore rejubheri, muprista anofanira kumutarira mari yakaenzana namakore akasara kusvikira pagore rejubheri; zvino mari iyo inofanira kutapudzwa pakutara kwako.
Shona SUB 2002 Bible
Asi kana achitsaura munda wake shure kwegore reJubhiri, mupristi anofanira kumutarira mari yakaenzana namakore akasara kusvikira pagore reJubhiri; zvino mari iyo inofanira kutapudzwa pakutara kwako.