Leviticus 27:26 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi mŋana wemhoŋgora pakati peɀipfuwo, uri waJehova ɀauri mŋana wemhoŋgora, ŋgakurege kuʋa nomunhu unoutsaura; kana iri nzombe, kana gwai, ndeɀaJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Zvisinei hazvo, hapana munhu angakumikidza dangwe remhuka, sezvo dangwe ragara riri raJehovha kare; ingava mombe kana gwai; ndezvaJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Pamusana pokuti chipfuwo choga choga chinotanga kuberekwa ndechaTenzi, hakuna munhu anofanira kupira dangwe rechipfuwo, chingave mombe kana hwai nokuti ndechaTenzi nakare.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Asi mwana wemhongora pakati pezvipfuwo, uri waJehovha zvauri mwana wemhongora, ngakurege kuva nomunhu unoutsaura; kana iri nzombe, kana gwai, ndezvaJehovha.
Shona 2009?
"Asi mwana wemhongora pakati pezvipfuwo, uri waJehovha zvauri mwana wemhongora, ngakurege kuva nomunhu unoutsaura; kana iri nzombe, kana gwai, ndezvaJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
“Asi mwana wematangwe pakati pezvipfuwo, uri waJehovha zvauri mwana wedangwe, ngakurege kuva nomunhu unoutsaura; kana iri nzombe, kana gwai, ndezvaJehovha.