Leviticus 27:28 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kunyaŋge ɀakaɗaro, hakunecinhu cakayeriswa, cakayerisirwa Jehova nomunhu paɀose ɀaanaɀo, kana ciri caʋanhu, kana ɀipfuwo, kana munda wenhaka yake, ciŋgateŋgeswa kana kudzikinurwa; cinhu cipi necipi cakayeriswa, cinofanira kuʋa citȿene kwaɀo kunaJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Asi hakuna chinhu chomunhu chinopiwa kuna Jehovha, angava munhu kana mhuka kana munda wemhuri, chinogona kutengeswa kana kudzikinurwa; chinhu chose chinopiwa saizvozvo chinova chitsvene kwazvo kuna Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Hakuna munhu angatengese kana angadzikinure chinhu chanyatsotsidzwa kupiwa kuna Tenzi pazvinhu zvose zvaanazvo angave munhu, kana chipfuwo kana munda wenhaka. Chinhu ichocho ndechaTenzi, chinhu chinenge chanyatsotsidzirwa Tenzi chinhu chinoera kwazvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kunyange zvakadaro, hakune chinhu chakayeriswa, chakayerisirwa Jehovha nomunhu pazvose zvaanazvo, kana chiri chavanhu, kana zvipfuwo, kana munda wenhaka yake, chingatengeswa kana kudzikinurwa; chinhu chipi nechipi chakayeriswa, chinofanira kuva chitsvene kwazvo kuna Jehovha.
Shona 2009?
"Kunyange zvakadaro, hakune chinhu chakayeriswa, chakayerisirwa Jehovha nomunhu pazvose zvaanazvo, kana chiri chavanhu, kana zvipfuwo, kana munda wenhaka yake, chingatengeswa kana kudzikunurwa; chinhu chipi nechipi chakayeriswa, chinofanira kuva chitsvene kwazvo kuna Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
“Kunyangwe zvakadaro, hakuna chinhu chakayeriswa, chakayerisirwa Jehovha nomunhu pazvose zvaanazvo, kana chiri chavanhu, kana zvipfuwo, kana munda wenhaka yake, chingatengeswa kana kudzikinurwa; chinhu chipi nechipi chakayeriswa, chinofanira kuva chitsvene kwazvo kuna Jehovha.