Leviticus 27:33 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Haafaniri kucerekedza kana ciri cakanaka kana cakaipa, kana kucitsinhanhisa necimŋe; kana aciŋge atsinhanhisa necimŋe, ɀose ɀiri ɀiʋiri, ico necakatsinhiwa, ɀicaʋa ɀitȿene; haɀiŋgadzikinurwi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Haafaniri kusarudza zvakanaka kubva mune zvakaipa kana kuzvitsinhanisa. Kana akazvitsinhanisa, mhuka dzose dziri mbiri, yatsiviwa neyatsiva, dzichava tsvene uye hadzigoni kudzikinurwa.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Muridzi wacho ngaarege kutinha zvipfuwo zvake achizvironga nomutoo wokuti zvipfuwo zvisina maturo zvisarudzirwe Tenzi. Ngaaregewo kuzvitsinhanisa nezvimwe zvipfuwo. Kana akatsinhanisa chipfuwo ichocho nechimwe chipfuwo zvose zviri zviviri nechatsinhaniswa nacho zvatova zvinoera. Hazvifaniri kana kumbodzikinurwa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Haafaniri kucherekedza kana chiri chakanaka kana chakaipa, kana kuchitsinhanhisa nechimwe; kana achinge atsinhanhisa nechimwe, zvose zviri zviviri, icho nechakatsinhiwa, zvichava zvitsvene; hazvingadzikinurwi.”
Shona 2009?
Haafaniri kucherekedza kana chiri chakanaka kana chakaipa, kana kuchitsinhanisa nechimwe; kana achinge atsinhanisa nechimwe, zvose zviri zviviri, icho nechakatsinhiwa, zvichava zvitsvene; hazvingadzikunurwi."
Shona SUB 2002 Bible
Haafaniri kucherechedza kana chiri chakanaka kana chakaipa, kana kuchitsinhanhisa nechimwe; kana achinge atsinhanhisa nechimwe, zvose zviri zviviri, icho nechakatsinhiwa, zvichava zvitsvene; hazvingadzikinurwi.”