Leviticus 27:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana ari murombo, asiŋgaȿiki pakutara kwako, unofanira kuiswa pamberi pomuprista, kuti muprista amutarire; muprista unofanira kumutarira iye wakapika seɀaaŋgagona kuripa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana munhu wose anenge achiita mhiko ari murombo zvikuru zvokutotadza kuripa muripo wakatarwa, anofanira kuuya nomunhu uyu kumuprista, achatara mutengo wake zvichienderana nezvinokwaniswa nomunhu ari kuita mhiko.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kana munhu akaita mhiko ari munhu murombo asingakwanisi kubvisa mari iri pamurao, ngaaende kumupristi nomunhu iyeyo waakapira kuna Tenzi. Mupristi ndiye anofanira kutema muripo achionawo kuti munhu akapira munhu kuna Mwari angabvise muripo wakadii.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kana ari murombo, asingasviki pakutara kwako, anofanira kuiswa pamberi pomupristi, kuti mupristi amutarire; mupristi anofanira kumutarira iye wakapika sezvaangagona kuripa.
Shona 2009?
"Kana ari murombo, asingasviki pakutara kwako, anofanira kuiswa pamberi pomuprista, kuti muprista amutarire; muprista anofanira kumutarira iye wakapika sezvaangagona kuripa.
Shona SUB 2002 Bible
“Kana ari murombo, asingasviki pakutara kwako, anofanira kuiswa pamberi pomupristi, kuti mupristi amutarire; mupristi anofanira kumutarira iye wakapika sezvaangagona kuripa.