Leviticus 3:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana cipo cake ciri ciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa, kana aciʋuya neŋombe, kana iri nzombe kana hadzi, ŋgaaʋuye necisinemhoȿa pamberi paJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Kana chipiriso chomumwe chiri chokuwadzana, uye akapa chipfuwo, chemombe chingava chikono kana chikadzi, anofanira kuuyisa pamberi paJehovha chipfuwo chisina kuremara.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana munhu achida kupira Tenzi chibayiro chake kuti chive mupiro wokuwadzana, ingave mombe yomukono kana hadzi, asi ngaive isina chinoshoreka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kana chipo chake chiri chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa, kana achiuya nemombe, kana iri nzombe kana hadzi, ngaauye nechisina mhosva pamberi paJehovha.
Shona 2009?
"Kana chipo chake chiri chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa, kana achiuya nemombe, kana iri nzombe kana hadzi, ngaauye nechisina mhosva pamberi paJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
“Kana chipo chake chiri chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa, kana achiuya nemombe, kana iri nzombe kana hadzi, ngaauye nechisina chipomerwa pamberi paJehovha.